Kutenda Kunoponesa
(VaRoma 3:21-22)
Hakusi rururama kunouya nemabasa asi kunouya nekutenda muna Jesu Kristu! Ndiko kururama kunocherechedzwa naMwari-kururama kunoponsa vanhu.Naizvozvo , zvakanaka kuziva zvazvinoreva kuti kutenda.
1. Hakusi Kutenda KweNhema
Kupinda svondo kwenguva refu,usinga rovhi,nekunyorwa zita rako mumabhuku ekereke -hazvirevi kuti unekutenda kwechokwadi.Kunyangwe moyo wako uchipfava uchinzwa nezva Jesu,kana kunzwa kupfava moyo ukanzwa shoko. Kutenda kwechokwadi kunoita kuti munhu asiye hupenyu hwekare, otanga hupenyu hutsva hwekutevera Mwari ne moyo unodokwairwa zva Mwari zvine simba.
2. Hakusi kutenda Kuri Pakati nePakati
Munhu anekutenda kwakadai anoda zvese zva Jesu. Kwete zvakanaka bedzi zvaanowana kwavari,anoda zvese nemabasa avo. Haadi nyasha bedzi dzavanopa,asi nemuchinjiko wavakatakura. Haadi bedzi kuponeswa,asi anoda hutsvene huve maari sezvavakareva.Haadi zvipo zvavo bedzi asi anodawo hunhu hwavo. Hakusi kungofarira hupurisita hwavo,asi anodawo humambo hwavo.Mavari havangodi kuponeswa bedzi kubva mukuparadzwa nokuda kwechivi asi vanotoda kurega kuita chivi chacho.
3. Nekutenda Kwe Chokwadi
Munhu akatendeuka pachokwadi anoda zvese zva Jesu.Haavavarire kuzvigadzirira hupenyu hwakanaka bedzi,anoda kuti basa ra Mwari riitwe iye ari mudziyo waro.Kururama uku kwaka zarurirwa vose pasina rusarura-rwe kwaunobva,kugona kwako uye nehutera hwako.Ishe vanoti ,”Zvese zvandakapiwa na Baba zvinouya kwandiri,uye anouya kwandiri, handimurase !” Ngatidairei kudana kwa Mwari.Ngativei vanhu vane kutenda kwechokwadi, vano teerera nekutevera Ishe nemoyo wose,nepfungwa dzose, nehupenyu hwedu hwose.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Chivabvu 31, 2026, Basa reZuva raIshe
Kururama Kwakagadzwa Vose Vanotenda Muna Jesu Kristu
VaRoma 3:21-22
Mutariri Sung-Hyun Kim



